Amina - Shona Edition - Mohammed Umar - 图书 - Salaam Publishing - 9781912450480 - 2020年10月19日
如封面与标题不符,以标题为准

Amina - Shona Edition

价格
元 179
不含税

远程仓调货

预计送达时间 年7月8日 - 年7月24日
添加至iMusic心愿单

Mabhuku erurimi rweChiShona akaturikirwa kubva mururimi rweChirungu akanyorwa nevanyori vemuno muAfrica mashoma. Kuuya kweiri bhuku chiitiko chechinhu chinofadza mukupananan mashoko ekurairana muzvinyorwa nevamwe vana vemuAfrica.

Rungano urwu rwunotsanangura gamba gadzi neshamwari dzaro mukuunza shanduko yakarerekera kumararamiro evanhukadzi mune zvose zvakavakomberedza munyika yeNigeria. Izvi hazviwanzo wanikwa kunyanyanyanya mubandiko rezvematongerwo enyika, mitemo kufambidzana kwayo nezvinosungirwa kuve kodzero dzevanhukadzi vechiMuslim, kumbunyikidzwa kwavanoitwa nemirau yetsika nemagariro anotenderanwa nevanhu vari mumatunhu akasiyana siyana uyewo chitendero chine mitemo yachowo inosungirwa kutevedzwa, kushaiswa mikana kuvakadzi kuti vave vanokwikwidzanawo nevarume mune zvebudiriro muhupfumi, kusimudzirwa kwevanhurume kuve vari pamusoro pevanhukadzi mune zvose, nekuda kwaizvozvi vanhukadzi vakashanyirwa nekutarisirwa pasi kuburikidza nechidanho chemunhurume mukuroorana semaonero aiita vanhukadzi. Munyori akashandisa hunduri zvine unyanzvi murungano rwekuzvisunungura kwevanhukadzi muNigeria varimo mudziva rine ngwena. Harusi ngori rungano rwekuzvivaraidza narwo, asi rungano rwunodaidzira kumuverengi kuti ave anotoredzerana nemucherechedzo wemudzimai anoyemurika uye mabasa ake akatsetseka nekutendeka inova iyo mhare inowanikwa zita rokuti Amina.

Rungano rwaAmina rwuri maringe nenguva ino uye kufambidzana nenguva yatiri kurarama zvakare rungano urwu rwakanyotsetsenurwa zvakajeka mukupa nhoroondo inogutsa, yemhare ine mukurumbira mukurarama kwayo makore mazana mashanu akapfuura aive verudzi rweHausa ari mutongi wenyika aizezesa zvikuru, kuve murwi wehondo anotyisa zvakare ari Mambokadzi Amina weZazzau. Rungano urwu rwunosiya muverengi aine tariro yekushanduka kwezvinhu kuve zvakarurama muNigeria.

介质类型 图书     Paperback Book   (平装胶订图书)
已发行 2020年10月19日
ISBN13 9781912450480
出版商 Salaam Publishing
页数 218
商品尺寸 148 × 210 × 13 mm   ·   290 g
语言 英语  

Mohammed Umar的更多作品

显示全部

Mere med samme udgiver